Mutemo weZvakavanzika weWorkplace


Workplace yeMeta ipuratifomu yakagadzirwa neMeta inotendera vashandisi kuti vashandidzane uye vagoverane mashoko pabasa. Puratifomu yeWorkplace inosanganisira mawebhusaiti, maapu uye masevhisi epaindaneti anoenderana eWorkplace, ese anonzi "Sevhisi".
Mutemo Wekuvanzika unotsanangura kuti mashoko nezvako anounganidzwa sei, kushandiswa uye kugoverwa kana ukashandisa Sevhisi.
Sevhisi yakagadzirirwa kushandiswa nemasangano uye zvichienderana nemirayiro yavo uye inopiwa kwauri nemushandirwi wako kana rimwe sanagano rakupa mvumo yekupinda, uye kushandisa Sevhisi ("Sangano" rako).
Sevhisi yakasiyana nemamwe masevhisi eMeta aunogona kushandisa. Amwe masevhisi eMeta aya anopiwa iwe neMeta uye anotongwa nezviga zvawo. Zvisinei, Sevhisi inopiwa neSanangano redu uye inotongwa neMutemo weZvakavanzika uyu ne Mutemo Wemashandisirwo eWorkplace uye Mutemo weMakuki eWorkplace.
Sangano rako rinemutoro uye rinotungamirira akaundi yako yeWorkplace ("Akaundi Yako"). Sangano rako rinemutoro zvakare wekuunganidzwa uye kushandiswa kwechero mashoko aunotumira kana kupa kuburikidza neSevhisi uye kushandiswa uku kutongwa nemitemo yeSangano rako iripo neMeta.
Pamusoro peMutemo weZvakavanzika uyu, Sangano rako rinogona kuva neimwe mitemo kana bumbiro remitemo richashanda maererano nekushandisa kwako Sevhisi.
Kana uine imwe mibvunzo maererano nezve kushandisa kwako Sevhisi, tapota bata Sanagno rako.

I. Imhando ipi yemashoko inounganidzwa?
Sangano rako richaunganidza mhando yemashoko anotevera kana iwe, waunoshanda navo kana vamwe vashandisi vakapinda muSevhisi:
  • mashoko ako ekuti unobatika sei, sekuti zita rako rakazara uye emeiri adhiresi;
  • zita remushandisi rako uye pasiwedhi yako;
  • zita rebasa rako, mashoko edhipatimendi rako uye amwe mashoko anechekuita nemabasa kana Sangano rako;
  • zviiswa, hurukuro uye amwe mashoko aunopa kana ukashandisa Sevhisi, kusanganisira kana ukanyoresa akaundi, kugadzira kana kutumira zviiswa, uye kutumira meseji kana kutaura nevamwe. Izvi zvinogona kusanganisira mashoko muzviiswa kana maererano nezviiswa zvaunopa (sekuti mashoko anodudzira zvizere chimwe chinhu), sekuti nzvimbo yemufananidzo kana zuva rakagadzirwa fayera;
  • zviiswa, hurukuro uye mashoko anopiwa nevamwe vanhu kana vakashandisa Sevhisi. Izvi zvinogona kusanganisira mashoko nezvako, sekuti vakatumira kana kukomenda mufananidzo wako, vakakutumira meseji, kana kuapurodha, kuunza kana kuita mashoko ako epaunobatika aenderane.
  • dzese hurukuro nevamwe vashandisi veSevhisi;
  • hurukuro dzevashandisi, maonero, kurudziro uye pfungwa dzatumirwa kuSangano rako;
  • mashoko emibhadharo; uye
  • mashoko aunopa kana iwe kana Sangano rako rikakurukura kana kubata verutsigiro rwepurartifomu maererano neSevhisi.

II. Sangano rako rinoshandisa sei mashoko aya?
Sangano rako richagoverana mashoko arinounganidza neMeta, semupi wepuratifomu, kuitira kutendera Meta kuti ipe uye itsigire Sevhisi yeSangano rako uye vamwe vahsandisi uye zvichienderana nechero imwe mirayiro kubva kuSangano rako. Mienzaniso yemashandisirwo aya inosanganisira:
  • kukurukura nevashandisi uye maadhimini maererano mashandisiro avo eSevhisi;
  • kuvandudza chengetedzo uye kuchengeteka kweSevhisi yeSangano rako uye vamwe vashandisi, sekuti kuburikidza nekuongorora zviito zvinonyumisa kana kutyorwa kwezviga nemitemo inoshanda;
  • kuita zvaunosangana nazvo iwe kana Sangano rako zvienderane sechikamu chekupa kwedu Sevhisi;
  • kugadzira maturusi, zvigadzirwa kana Masevhisi matsva eSangano rako;
  • kubatanidza zviito paSevhisi pamichina yakasiyana inoshandiswa nemunhu mumwe kuti tivandudze mashandiro ese eSevhisi;
  • kuziva uye kugadzirisa matambudziko anogona kunge aripo; uye
  • kuita ongororo dzedhata uye masisitimu, kusanganisira yekuvandudza Sevhisi.

III. Kubudiswa pachena kwemashoko
Sangano rako rinobudisa pachena mashoko aunganidzwa nenzira dzinotevera:
  • kumasevhisi ezvigadzirwa zvemamwewo makambani zvinobatsira kupa Sevhisi kana chikamu cheSevhisi;
  • kumaapu, mawebhusaiti kana masevhisi ezvigadzirwa zvemamwewo makambani aunogona kukonekita kuburikidza neSevhisi;
  • zvine chekuita nekutengeserana kwakakura kwekambani, sekuti kutamiswa kweSevhisi, kusanganiswa, kubatanidzwa, kutengeswa kwemidziyo kana muchiitko chisingatarisirwe chekubhuroka kana kutadza kubhadhara zvikwereti;
  • kuchengetedza kuchengeteka kwechero munhu; kugadzirisa kubiridzira, chengetedzo kana nyaya dzekunetsa kwemichina; uye
  • zvichienderana nekusumwa nedare remutemo, tsamba inopa mvumo vezvemutemo kusunga, kutsvaga kana kuita zvimwe zvunhu, murairo wedare wekuchinjana zvichashandiswa mudare kana chimwe chikumbiro kana murairo kubva kumapurisa.

IV. Kuwana uye kugadziridza mashoko nezvako
Iwe uye Sangano rako rinogona kuwana, kugadzirisa kana kudzima mashoko awaapurodha kuSevhisi uchishandisa maturusi arimuSevhisi (semuenzaniso, kupepeta mashoko epurofairi kana pachishandiswa Zvandakaita Zvese). Kana usiri kukwanisa kuita izvi uchishandisa maturusi anopiwa muSevhisi, unofanira kubata Sangano rako chairo kuti upinde kana kugadziridza mashoko nezvako.

V. Bumbiro reKuvanzika Kwemashoko reEU-U.S.
Meta Platforms, Inc. yasetifaya kutora kwayo chikamu muBumbiro reKuvanzika kweMashoko reEU-U.S. Tinovimba neBumbiro reKuvanzika Kwemashoko reEu-US, uye chisarudzo chekukwana cheEuropean Commission, pakutamisa mashoko kuMeta Platforms, Inc. muU.S. kuzvigadzirwa uye masevhisi atsanangurwa mutsamba yekusetifaya iyoyo. Kuitira zvizhinji, tapota ongorora Bumbiro Rekubudiswa Pachena Kwezvinoumba Kuvanzika Kwemashoko reMeta Platforms, Inc.

VI. Zvibatanidzi uye zviiswa zvezvigadzirwa zvemamwewo makambani
Sevhisi iyi inogona kuva nezvibatanidzi kuzviiswa zvinochengetedzwa nezvigadzirwa zvemamwewo makambani zvisinga dzorwe neSangano rako. Unofanira kuongorora mitemo yezvakavanizka yeimwe neimwe webhusaiti yaunoshanyira.

VII. Kuvharwa kweAkaundi
Kana uchida kumira kushandisa Sevhisi, unofanira kutaura neSangano rako. Zvakafanana, kana ukamira kushandira kana kushanda neSangano, Sangano rinogona kumbomisa kushanda Akaundi Yako uye/kana kudzima chero mashoko anofambidzana neAkaundi Yako.
Zvinowanzotora mazuva angava 90 kudzima akaundi mushure mekuvharwa, asi amwe mashoko anogona kuramba arimumakopi eparutivi kwenguva yakati kuti. Tapota ziva kuti zviiswa zvaunogadzira uye kutumora paSevhisi ndezveSangano rako uye zvinogona kusara paSevhisi nekuwanika kunyangwe Sangano rako rikavhara kana kugura Akaundi Yako. Nenzira iyi, zviiswa zvaunopa paSevhisi zvakafanana nedzimwe mhando dzezviiswa (zvakaita semasiraidhi kana tsamba yemuhofisi) yaunogona kugadzira mukuita basa rako.

VIII. Shanduro kuMutemo weZvakavanzika
Mutemo weZvakavanzika uyu unogona kuvandudzwa nguva nenguva. Kana wavandudzwa zuva "rekupedzisira kugadziridzwa" richashandurwa uye Mutemo weZvakavanzika mutsva uchatumirwa paindaneti.

IX. Waungakurukura naye
Kana uine chero mibvunzo maererano neMutemo weZvakavanzika uyu kana Mutemo Wemashandisirwo eWorkplace, tapota taura neSangano uchishandisa Adhimini veSangano rako.
Kuvagari veCalifornia, unogona kudzidza zvimwe maererano nekodzero dzekuvanzika kwevatengi nekubata Sangano rako uchishandisa Adhimini weSangano rako.

Rakapedzisira kugadziridzwa: 10 Gumiguru 2023