Mutemo weZvakavanzika Weshambadzo dzepaWorkplace

Yakapedzisira kugadziriswa: 10 Gumiguru 2023
KURONGWA KWEZVIRI MUKATI
  1. Mashoko emutemo
  2. Mashoko atinounganidza
  3. Maongororero atinoita mashoko ako
  4. Mashoko atinotumira
  5. Mashandisiro aunoita kodzero dzako
  6. Kuchengetedza mashoko ako
  7. Mabasa edu epasi rese
  8. Mitemo yatinotsamira pairi pakushandisa mashoko
  9. Maapudheti eMutemo weZvakavanzika
  10. Ndiani anoona nezvemashoko ako
  11. Kurukura Nesu

1. Mashoko Emutemo

Mutemo wezvakavanzika uyu (“Mutemo weZvakavanzika”) unotsanangura maitiro edu nezvemashoko maringe nekupa kwatinoita Mawebhusaiti edu, kusanganisira workplace.com (“Nzvimbo Dzepaindaneti”) (izvo zvakasiyana zvakajeka neMasevhisi eWorkplace), uye zviito zvedu zvine chekuita nekushambadza uye maonero enyu (zvese zvichinzi “Zviito”). Mumutemo weZvakavanzika uno, tinotsanangura mashoko atinounganidza nezvako zvichibatana neNzvimbo neZviito zvedu. Tinochitsanangura maongorore ne matumire emashoko aya uye kuti ungashandisa sei kodzero yako yaungava nayo.
“Meta”, “isu”, “yedu” kana “ndisu” zvinoreva kuti sangano reMeta rinoona nezvekuunganidzwa uye kushandiswa kwemashoko akavanzika emunhu pasi peMutemo weZvakavanzika uyu zvakarongwa mu “Ndivo vanoona nezvemashoko ako”.
Masevhisi eWorkplace: Mutemo Wezvakavanzika uyu haushandi pamashandisiro ako chigadzirwa chepaindaneti cheWorkplace chatinopa vatengi vedu, izvo zvinotendera vashandisi kushandidzana uye kugoverana mashoko kubasa, kusanganisira chigadzirwa cheWorkplace, maapu uye masevhisi anoenderana naizvozvo (pamwechete "Masevhisi eWorkplace"). Kushandisa kwako Masevhisi eWorkplace kunodzorwa ne“Mutemo Wezvakavanzika weWorkplace” unowanika pano.

2. Mashoko atinounganidza

Tinounganidza mashoko anotevera nezvako:
Mashoko Ekubatika Kwako Tinotora emeiri adhiresi yako nemashoko anokosha sezita rako, basa, zita resangano nenhamba dzefoni semuenzaniso, paunokumbira mashoko nezvezvigadzirwa zvedu, zvinobatanidza zvinoshandiswa pakudhaunirodha Workplace, kutengesa zvigadzirwa, kukumbira kumboedzesera kusingabhadharwi kana kupinda muchimwe chezviitiko zvedu kana magungano. Kana ukasatipa mashoko aya, hauzokwanisi kugadzira akaundi kuti utange kumboedzesera kusingabhadharwi neWorkplace,semuenzaniso. Kana uri murongi weakaundi yesangano rako, tinotora mashoko ekuti tizokubata kana uchibvuma kutambira zvekushambadza kukurukura nezvigadzirwa zvemagetsi kubva kwatiri.
Mashoko Aunotipa. Paunotibata,unogona kutipa mamwe mashoko. Mashoko aunotipa anoenderana nekuti watibatirei. Semuenzaniso, kana uine nyaya ine yakarerekera kumashandisire eNzvimbo dzedu, unogona kutipa mashoko aunoona seanobatsira panyaya yako, uyewo nezvizhinji zvekuti tokubata sei.(semuenzaniso, adhiresi yeimeiri). Semuenzaniso,unogona kutitumira imeiri ine mashoko akabatana nekubudirira kweNzvimbo yedu yePaindaneti kana dzimwe nyaya. Nenzira yakafanana, ukatikumbira mashoko nezvemasevhisi eWorkplace, semuenzaniso, unogona kutiudza kuti unoshanda kupi kana mamwe mashoko anotibatsira kuti tipindure chinyunyuto chako.
Mashoko eOngororo neMaonero. Tinowanawo mashoko nezvako paunosarudza nekuzvidira kupinda muimwe yeongororo dzedu kana muchimwe chezvikwata zvevanotiudza maonero avo. Semuenzaniso, tinoshanda nemamwewo makambani anopa masevhisi eongororo kana ezvikwata zvevanotiudza maonero avo, sekugamuchira nharaunda yevatengi veWorkplace vanenge vasarudza kuva muchikwata chevanotiudza maonero avo. Makambani aya anotipa mashoko aanounganidza nezvako mumamiriro ezvinhu, anosanganisira makore ako, murume kana mukadzi here, imeiri, zvizhinji nezvebasa rebhizinesi rako nenzira dzaunoshandisa zvigadzirwa zvedu, uye maererano ako.
Mashoko Emashandisiro Uye Ekupinda. Tinotora mashoko nezvekuvapo kwako paNzvimbo dzedu Dzepaindaneti, semasevhisi, kuongorora zvikanganiso, nemashoko ebudiriro. Izvi zvinobatanidza mashoko nezvekuvapo kwako (kubatanidza mashandisire aunoita Nzvimbo yedu yepaIndaneti, nenguva, uhwandu hwemaitikiro, uye urefu hwezviito), mafayera ezvirikuitika, nekuongorora zvikanganiso, kusashanda, webhusaiti, uye kubudirira kwezviri kuitika nezvamhan'arwa.
Muchina NeMashoko eKukonekita. Tinotora mashoko akati nezvemuchina nekonekisheni paunopinda kana kushandisa Nzvimbo dzedu dzepaIndaneti. Izvi zvinosanganisira mashoko akadai semodhero yechigadzirwa, mashoko einjini yechigadzirwa, moto uri mubhatiri, simba remasaisai, vhezheni yeapu, mashoko ebhurauza, netiweki yembozhanhare, mashoko ekonekisheni (kusanganisira nhamba dzenhare, kambani yenhare kana ISP), mutauro uye nguva dzekune munhu, adhiresi yeIP, mashoko emashandiro emuchina, uye zviratidzo (kusanganisira zviratidzo zveZvigadzirwa Zvekambani yeMeta bedzi zvine chekuita nechigadzirwa kana akaundi iyoyo).
Makuki. Nzvimbo dzedu dzepaIndaneti dzinoshandisa makuki. Kuki kachidimbu kadikidiki kedhata kanotumirwa neNzvimbo Yepaindaneti yedu kubhurauza remushandisi, ako kanogona kubva kachengetwa pahard drive remushandisi kuitira kuti tikwanise kuziva kombiyuta kana muchina wemushandisi paanodzoka. Tinoshandisawo dzimwe nzira dzekushandisa michina dzinoshanda zvakafanana. Unogona kudzidza zvimwe maererano nekuti tinoshandisa sei makuki uye tekinoroji yakadaro paNzvimbo Yepaindaneti yeWorkplace yedu mu Mitemo Yemakuki.
Mashoko Evamwewo. Patinoshanda nevamwewo vanopa masevhisi uye vashandidzani kuti vatibatsire kushandisa, kuwanisa, kuvandudza, kunzwisisa, kuita kuti aenderane nezviri kudiwa, uye kutsigira Nzvimbo Dzepaindaneti kana Zviito zvedu, tinounganidza mashoko nezvako kubva kwavari.
Makambani eMeta. Tinounganidza mashoko kubva kuzvinoshandiswa munharaunda, masisitimu uye tekinoroji zvinogoverwa vamwe Makambani eMeta pazvinhu zvakati. Tinoshandawo mashoko ako paZvigadzirwa Zvekambani yeMeta zvese uye pamichina yako yese maererano nemitemo yechigadzirwa chimwe nechimwe uye sezvinotenderwa nemitemo iripo.
Mashoko anounganidzwa paunoshandisa Masevhisi eWorkplace anova pasi peMutemo weZvakavanzika weWorkplace uyo unodzora mashandisirwo anoitwa mashoko ako paunoshandisa Masevhisi eWorkplace.

3. Maongororero atinoita mashoko ako

Tinoshandisa mashoko atinawo (zvichienderana nezvaunosarudza uye mitemo iripo) kushandisa, kuwanisa, kuvandudza, kunzwisisa, kuita kuti aenderane nezviri kudiwa, uye kutsigira Nzvimbo Dzepaindaneti uye Zviito zvedu.
Wanisa, vandudza uye gadzira Nzvimbo Yepaindaneti uye Zviito zvedu.
Tinoongorora mashoko ako kuti tiwanise, tivandudze uye tigadzire Nzvimbo Yepaindaneti uye Zviito zvedu. Izvi zvinosanganisira kukutendera kuti uwanzoshandisa uye kuvhura uchienda kuNzvimbo Dzepaindaneti dzedu, utaure nesu kuti uwane mamwe mashoko, uwane zvekushandisa zvekuwedzera uye unyorese kumboedzesera kusingabhadharwi. Tichashandisawo mashoko ako pakuita kwedu zviito zvekushambadza maererano neMutemo weZvakavanzika uno. Tinoshandisawo mashoko ako kuwanisa, kuvandudza uye kugadzira ongororo uye/kana zvikwata zvevanotiudza maonero avo zvauri mazviri.
Nzwisisa Zvinodiwa uye Kufarirwa Nevatengi.
Tinoongorora uye kufunga nezvemashoko uye maonero ako kana ukaataura panzvimbo dzemaonero kana padzimwe ongororo dzemaonero (semuenzaniso, sezvakaita paya paunoedza chinhu chitsva kana kuti kuongorora zvakaita maficha eWorkplace). Tinoita izvi kuti tinzwisise zviri kudiwa uye kufarirwa nevatengi, semuenzaniso, kuzivisa kuti pochinjwa kana kuiswa maficha matsva eWorkplace kana zvimwe zvigadzirwa, uye kuwana maonero matsva. Mashoko anowanika kubva pakunyora maonero ako panzvimbo yaanokumbirwa kana padzimwe ongororo dzemaonero achaunganidzwa uye kushandiswa munzira ichaita kuti iwe usazivikanwe, uye kana pakatorwa chidimbu chemashoko awakataura mumushumo wemaonero, mushumo wacho hauzoiti kuti iwe uzivikanwe.
Kurukura newe.
Tinoshandisa mashoko atinawo kukutumira nhauriraro dzezvekutengesa uye kunyanyotaura newe nezveNzvimbo Dzepaindaneti uye Zviito zvedu, tokuzivisa nezvezvibvumirano uye mitemo yedu pazvinoshanda. Tinoshandisawo mashoko ako kukupindura paunotaura nesu.
Wanisa, ita zvienderane nezviri kudiwa, yera uye vandudza kutengesa uye kushambadza kwedu.
Tinogona kushandisa mashoko ako pashambadzo dzine vadzakananga, kusanganisira dzinoitwa nemanetiweki chaiwo uyewo mamwewo uyewo pakugadzira vateerereri vakada kudaro, vateereri vanoendera nevari kudiwa uye kuyera manetiweki chaiwo eshambadzo uye mamwewo.
Simudzira kukotsekana, uchokwadi uye kuchengetedzeka.
Tinoongorora muchina uye mashoko ekonekisheni yako kuti tizive uye tiferefete maitiro asina kunyatsoti twasu.
Kuchengetedza uye kugoverana mashoko nevamwe kusanganisira vanochengetedza mitemo uye kupindura zvikumbiro zvemitemo.
Tinoshanda mashoko ako patinoita zvinoenderana nezvinodiwa nemutemo zvinosanganisira, semuenzaniso, kuwana, kuchengetedza kana kubudisa pachena mashoko akati kana paine chikumbiro chinoshanda chepamutemo chinobva kumudzori, muchengetedzi wemutemo kana vamwe. Izvi zvinosanganisira kupindura zvikumbiro zvepamutemo patisingasungirwi nemutemo asi tichivimba mune zvakanaka kuti zvinotarisirwa nemutemo munharaunda yacho kana kugovera mashoko kuvachengetedzi vemutemo kana vashandidzani vemuindasitiri zviripo pakurwisa maitiro ekushungurudza kana kuti asiri pamutemo. Semuenzaniso, tinochengeta mufananidzo wemashoko emushandisi patinokumbirwa nevachengetedzi vemutemo nechinangwa chekuferefeta kunenge kuchidiwa. Tinochengetedza uye kugovera mashoko patinotsvaga mazano ezvemitemo kana pakuzvidzivirira pakuendeswa kumatare kana mamwe magakava. Izvi zvinosanganisira nyaya dzakadai sekutyorwa kwemitemo uye zvibvumirano zvedu. Dzimwe nguva, kukundikana kutipa mashoko nezvako pazvinenge zvichidiwa nemutemo kungaita kuti iwe uye Meta ityore mutemo uripo.

4. Mashoko atinotumira

Tinoda kuti vashandidzani uye vamwewo vatevedzere mitemo yekuti vangashandisa kana kusashandisa sei kana kubudisa pachena mashoko atinowanisa. Hezvino zvizere zvekuti tinotumirana naani mashoko:
Vamwewo Vashandidzani uye Vanopa Masevhisi: Tinoshanda nevamwewo vashandidzani uye vamwewo vanotipa masevhisi kutibatsira kuona nezveNzvimbo Dzepaindaneti uye Zviito zvedu. Zvichitsamira pakuti vanotsigira uye kushanda nesu sei, patinogoverana mashoko nevamwewo vanotipa masevhisi panyaya iyi, tinovatarisira kushandisa mashoko ako vachitimiririra maererano nemirayiridzo uye mitemo yedu. Tinoshanda nemhando dzevashandidzani uye vanotipa masevhisi vakasiyana-siyana, kureva vaya vanotsigira nekutengesa, kuongorora, ongororo, zvikwata zvevanotiudza maonero avo, uye kuvandudza zvigadzirwa nemasevhisi.
Makambani eMeta: Tinogovera mashoko atinounganidza ane chekuita neZviito zvedu kana nepaNzvimbo Dzepaindaneti dzedu, zvinoshandiswa munharaunda, masisitimu uye tekinoroji kuMakambani eMeta. Kugoverana nevamwe kunotibatsira kusimudzira kukotsekana, kuchengetedzeka uye uchokwadi; kuita kuti mapuromosheni neshambadzo zvienderane nezviri kudiwa; kutevedza zvinodiwa nemitemo iripo; kugadzira uye kuwanisa maficha nemibatanidzwa; uye kunzwisisa kuti vanhu vanoshandisa uye kuwadzana sei neZvigadzirwa Zvekambani yeMeta.
Zvemitemo uye Kutevedzera Mitemo: Tinogona kuwana, kuchengetedza, kushandisa kana kugovera mashoko ako (i) tichipindura zvikumbiro zvemutemo, zvakadai semawarandi ekutsvaga, maodha ematare, maodha ekugadzirwa kwezvinhu kana masamanisi. Zvikumbiro izvi zvinobva kuvamwewo vakadai sevanoendesa nyaya kumatare asi kwete nechinangwa chekusungisa, vachengetedzi vemutemo uye mamwe masangano ehurumende. Tinogona kugovera mashoko ako kumamwe masangano, kusanganisira mamwe makambani eMeta kana mamwewo, ayo anotibatsira kuferefeta uye kupindura zvikumbiro zvakadaro, (ii) maererano nemutemo uripo, uye (iii) kusimudzira kukotsekana, kuchengetedzeka uye uchokwadi hweZvigadzirwa zveMeta, vashandisi, vashandi, midziyo uye veruzhinji. Izvi zvinosanganisira nekuda kwechinangwa chekuferefeta kutyorwa kwechibvumirano kungave kwakaitwa, kutyorwa kwemitemo kana zvibvumirano zvedu kana kutyorwa kwemutemo kana kuti kuongorora, kugadzirisa kana kudzivirira kubiridzira. Mashoko ako anogonawo kuburitswa pachena nechinangwa chekuwana, kushandisa kana kudzivirira kodzero dzechatinoti chokwadi chepamutemo uye kuferefeta kana kudzivirira kurasikirwa chaiko kana kunofungidzirwa kana kukuvadzwa kwevanhu kana zvinhu.
Kutengeswa kweBhizinesi: Kana tikatengesa kana kupa mumwe bhizinesi redu rese kana chikamu charo, pakadaro tingangopa muridzi mutsva mashoko ako sechikamu chezvatinomutengesera, zvichienderana nemutemo uripo.

5. Mashandisiro aunoita kodzero dzako

Une kodzero dzine chekuita nemashoko nezvako, zvichitsamira pamutemo uripo uye kwaunogara. Nepo dzimwe dzekodzero idzi dzichiwanzoshanda, dzimwe dzinongoshanda pashoma kana kuti mudzimwe nzvimbo. Unogona kushandisa kodzero dzako nekutibata pano.
  • Kodzero yekuwana/yekuziva - Une kodzero yekukumbira kuwana mashoko ako uye kuwaniswa kopi yemashoko kusanganisira zvikamu zvemashoko nezvako atinounganidza, kushandisa uye kubudisa pachena, uye mashoko emashandisiro atinoita mashoko.
  • Kodzero yekugadziridza - Une kodzero yekukumbira kuti tigadziridze mashoko asina kururama nezvako.
  • Kodzero yekudzima/kukumbira kudzimwa - Une kodzero, pamwe pacho, yekukumbira kuti tidzime mashoko nezvako, kana kuri kuti pane zvikonzero zvinoshanda zvekudaro uye zvichienderana nemitemo iripo.
  • Kodzero yedhata rinotakurika - Une kodzero yekugamuchira, pamwe pacho, mashoko ako ari muurongwa, mumhando inowanzoshandiswa uye inoverengwa nemichina uye kuendesa mashoko akadaro kumumwe mudzori.
  • Kodzero yekuramba/kubuda (kutengesa) - Une kodzero yekuramba kushandiswa kwemashoko pakutengesa kwakananga, kuiswa mumapoka uye kuramba zvisarudzo zvinoitwa nenzira dzeotomatiki pachero nguva. Kana tikashandisa mashoko ako pakutengesa kwakananga, unogona kuramba kana kubuda mumaseji enguva yemberi ekutengesa kwakananga uchishandisa chibatanidzi chekuzvikatanura panhaurirano dzakadaro.
  • Kodzero yekuramba - Une kodzero yekuramba uye yekudzora kushandiswa kwakati kwemashoko ako. Unogona kuramba kushandisa kwatinoita mashoko ako patinotsamira pazvatinoda zviri pamutemo kana patinoita chinhu tichiitira ruzhinji. Tichaongorora zvakati wandei pakuyera zvaunenge waramba, kusanganisira: Kunze kwekunge taona kuti tine zvikonzero zvakakodzera zvinotisunga kuti tishandise mashoko ako seizvi, izvo zvisingazokundwi uremu nezvaunofarira kana kodzero dzako uye rusununguko, kana kuti kushandisa kwacho kuchiitwa pamusana pezvikonzero zvemutemo, ticharemekedza zvaunenge waramba, uye tichamira kushanda nemashoko ako. Unogona kuwedzera kushandisa chibatanidzi chakanzi "kanzura kuzvinyoresa" chiri munhaurirano dzedu kuti utimise pakusandisa mashoko ako pakutengesa kwakananga ikoko.
    • Tarisiro dzako dzinonzwisisika
    • Kubatsirwa kwaunoitwa kana njodzi dzinowanika kwauri, kwatiri, kuvamwe vashandisi kana vamwewo
    • Dzimwe nzira dziripo dzekusvika zvinangwa zvimwe chete izvozvo idzo dzisinganyanyopindi muupenyu hwako uye dzisingadi kuti paitwe zvakapfurikidza
  • Kodzero yekubvisa mvumo yako - Patinenge takakumbira mvumo yako tichiitira zviito zvakati, une mvumo yekubvisa mvumo yako pachero nguva. Tapota ziva kuti kushandiswa kwemashoko kuri pamutemo kupi zvako kwakaitwa usati wabvisa mvumo yako hakuzobatwi-batwi nekubvisa mvumo kwaunenge waita.
  • Kodzero yekunyunyuta - Unogona kunyunyuta kusimba rinotungamirira remunharaunda yako. Irish Data Protection Commission ndiyo simba rinotungamirira Meta Platforms Ireland Limited.
  • Kodzero yekusarurwa: Hatisi kuzokusarura nekuda kwekushandisa imwe yekodzero idzi.
Tapota ziva kuti kuti tichengetedze mashoko ako uye uchokwadi hweMasevhisi Ekushambadza edu, tingafanira kuvherifaya kuti ndiwe tisati taita chikumbiro chako. Pamwe pacho tingafanira kuunganidza mashoko ekuwedzera kuti tivherifaye kuti ndiwe, sezvakaita ID inopiwa nehurumende mudzimwe nzvimbo. Pasi pemimwe mitemo, ungashandisa kodzero idzi pachako kana kuti ungasarudza mumiririri ane mvumo wekuti akuitire zvikumbiro izvi.
Mutemo weBrazil Wekuchengetedzwa Kwemashoko Evanhu
Chikamu chino chinoshanda kuzviito zvekushanda nemashoko evanhu pasi pemutemo weBrazil uye chinowedzera kuMutemo weZvakavanzika uno.
Pasi peMutemo weBrazil Wekuchengetedzwa Kwemashoko Evanhu (unonziwo “LGPD”), une kodzero yekuwana, yekugadzirisa, yekutakura, yekudzima, uye yekuziva kuti tashanda nemashoko ako. Pamwe pacho, unewo kodzero yekuramba uye yekurambidza kushandiswa kwemashoko ako, kana kuti ungabvisa mvumo yako patinoshandisa mashoko ako tichitsamira pamvumo yako. Mutemo weZvakavanzika uno unopa mashoko ekuti tinogovera sei mashoko kumamwewo makambani. Kuti ukumbire mamwe mashoko nezvemaitiro edu panyaya dzedhata, baya pano.
Unewo kodzero yekuteterera Simba reBrazil Rekuchengetedzwa kweDhata kuburikidza nekutaura neDPA zvakananga.

6. Kuchengetwa kwemashoko ako

Tichachengeta chete mashoko ako kwenguva yakareba zvinenge zvichidiwa kuti zvinangwa zviri muMutemo weZvakavanzika zviitwe. Meta ichachengeta mashoko ako atinounganidza paunopa maonero ako muchikwata chinotiudza maonero kana muongororo dzemaonero kwenguva inoitwa chirongwa uye pashure pacho kwenguva inodiwa kuita ongororo, kupindura ongororo dzevashandidzani kana kuti inodiwa kuvherifaya maonero acho. Meta ichachengeta uye kushandisa mashoko ako kusvikira pamwero unodiwa kuti tiite zvinonderana nezvatinotarisirwa nemutemo (semuenzaniso, kana tichidikanirwa kuchengeta mashoko ako kuti tiite zvinoenderana nemutemo uripo), kuti tigadzirise magakava uye timisikidze mitemo yedu. Kana urefu hwenguva dzinofanira kuchengetwa mashoko idzi hwadarika uye tisisina chimwe chikonzero chekuchengeta mashoko ako, mashoko ako akakodzera achadzimwa.

7. Mabasa edu epasi rese

Tinogovera mashoko atinounganidza pasi rese, mukati menyika kumahofisi edu uye kunzvimbo dzinochengeterwa mashoko, uye kunze kuvatengesi vedu, vanotipa masevhisi nemamwewo makambani. Sezvo Meta iri yepasi rese, iine vatengi uye vashandi kupota pasi rese, zvinodiwa kuti mashoko aendeswe kumwe pamusana pezvikonzero zvakasiyana-siyana, zvinosanganisira:
  • Kuitira kuti tishandise uye kuwanisa masevhisi ari kutaurwa muMutemo weZvakavanzika uno
  • Kuitira kuti tigadzirise, tiongorore uye tivandudze zvigadzirwa zvedu mukuwirirana neMutemo weZvakavanzika uno
Mashoko anochengeterwa kupi?
Mashoko ako achaendeswa kana kutumirwa, kana kuchengetwa uye kushandwa mu:
  • Nzvimbo matiine zvivakwa kana pekuchengetera mashoko, kusanganisira United States, Ireland, Denmark neSweden, pakati pedzimwe
  • Nyika dzinowanika Workplace
  • Dzimwe nyika kunowanika vatengesi vedu, vanotipa masevhisi uye mamwewo makambani kunze kwenyika yaunogara, nezvinangwa zvinotsanangurwa muMutemo weZvakavanzika uno.
Tinochengetedza sei mashoko ako?
Tinotsamira pazvishandiswa zvakakodzera kuti titumire dhata munyika dzepasi rese.
Zvishandiswa zvatinoshandisa pakutumira mashoko epasi rese
Tinotsamira pazvishandiswa zvakakodzera kuti titumire munyika dzepasi rese. Semuenzaniso, kuitira mashoko atinounganidza:
Nzvimbo Yezveupfumi yeEurope
  • Tinotsamira pazvisarudzo zvinobva kuEuropean Commission uye nezvisarudzo zvacho vanova nechokwadi chekuti dzimwe nyika nenharaunda dziri kunze kweNzvimbo Yezveupfumi yeEurope dzine mwero wakakwana wekuchengetedzeka kwemashoko evanhu. Zvisarudzo izvi zvinodaidzwa kunzi “zvisarudzo zvekukwana.” Chaizvoizvo tinounganidza mashoko kubva kuNzvimbo Yezveupfumi yeEurope tichiaendesa kuArgentina, Israel, New Zealand, Switzerland uye, kana chisarudzo chacho chichishanda, kuCanada zvichitsamira pazvisarudzo zvekukwana zvinoshanda. Dzidza zvimwe maererano nechisarudzo chekukwana chenyika yega yega. Meta Platforms, Inc. yakasetifaya kuva kwayo muBumbiro reKuvanzika Kwemashoko reEU-U.S.. Tinovimba neBumbiro reKuvanzika Kwemashoko reEU-US, uye chisarudzo biyacho chekukwana cheEuropean Commission, pakutamisa mashoko ezvigadzirwa nemasevhisi atsanangurwa mutsamba yekusetifaya iyoyo. Kuti uwane mamwe mashoko, tapota ongorora Bumbiro Rekubudiswa Pachena Kwezvinoumba Kuvanzika Kwemashoko reMeta Platforms, Inc.
  • Pamwe pacho, tinotsamira pamitemo yechibvumirano inowanzoshandiswa yakatenderwa neEuropean Commission (uye mitemo yechibvumirano inowanzoshandiswa inoenderana nayo yeUK, pazvakakodzera) kana kuti kurerutsirwa kunowanika pasi pemutemo uripo kuti titumire mashoko kuimwewo nyika.
Kana uine mibvunzo nezvekutamisira kwedu dhata kudzimwe nyika uye mitemo yechibvumirano inowanzoshandiswa, tibate.
Korea
Dzidza zvimwe nezvekodzero dzekuvanzika dzinowanika kwauri, zvizere nezvemamwe makambani atinogoverana nawo mashoko ako, uyewo dzimwe nyaya nekuongorora Chiziviso cheKorea Chekuvanzika chedu.
ROW:
  • Pamwe pacho, tinotsamira pamitemo yechibvumirano inowanzoshandiswa yakatenderwa neEuropean Commission (uye mitemo yechibvumirano inowanzoshandiswa inoenderana nayo yeUK, pazvakakodzera) kana kuti kurerutsirwa kunowanika pasi pemutemo uripo kuti titumire mashoko kuimwewo nyika.
  • Tinotsamira pazvinosarudzwa neEuropean Commission, uye nemamwe masimba akakodzera, nezvekuti dzimwe nyika dzinewo here matanho akakwana ekuchengetedza dhata.
  • Tinoshandisa zvishandiswa zvinoenderana pasi pemutemo uripo inoshanda pakutumira dhata kuUnited States uye dzimwe nyika dzakakodzera.
Tinovawo nechokwadi chekuti zvinodzivirira zvakakodzera zviripo pese patinotumira mashoko ako. Semuenzaniso, tinoita kuti mashoko ako asaverengeke paanenge achitumirwa nepamanetiweki eruzhinji kuitira kuadzivirira pakuwanikwa zvisina mvumo.

8. Mitemo Yatinotsamira Pairi Pakushandisa Mashoko

Pasi pemimwe mitemo iripo yekuchengetedzwa kwedhata, makambani anofanira kuva nemitemo yaanotsamira pairi pakushanda nedhata revanhu. Patinotaura nezve"kushanda nedhata remunhu," tinoreva nzira yatinounganidza, kushandisa uye kugoverana nevamwe mashoko ako, sezvatatsanangura muzvimwe zvikamu zveMutemo weZvakavanzika pamusoro apa.
Ndeipi mitemo yatinotsamira pairi?
Zvichitsamira panharaunda yauiri uye mamiriro ako ezvinhu, tinotsamira pamitemo yakasiyana-siyana kuti tishandise mashoko ako nezvinangwa zvataurwa muMutemo weZvakavanzika uno. Tinogonawo kutsamira pamimwe mitemo patinenge tichishandisa mashoko mamwe chete iwayo nezvinangwa zvakasiyana. Mudzimwe nzvimbo, tinonyanyotsamira pamvumo yako kuti tishandise mashoko ako. Mudzimwe nzvimbo, kusanganisira Dunhu reEurope, tichatsamira pamitemo iri pazasi apa. Panotsamidzwa zviri pamutemo pega pega pari pazasi apa, tinotsanangura kuti nei tichishanda nemashoko ako.
Zvinodiwa Zvepamutemo
Tinotsamira pazvatinoda zvepamutemo kana zvinodiwa zvepamutemo zvevamwewo asi pazvisingazokundwi uremu nezvaunoda iwe kana kodzero uye rusununguko rwako rwakakosha (“zvinodiwa zvepamutemo”):
Nei tichiongorora mashoko ako uye nzira dzatinoaongorora nadzoZvinodiwa zvepamutemo zvatsamirwa pazviriMipanda Yemashoko Yashandiswa
Kuti tiwanise, tivandudze uye tigadzire Nzvimbo Dzepaindaneti uye Zviito zvedu,
Tinoongorora mashoko ako uye kuti unoshandisa sei Nzvimbo Yepaindaneti yedu uye kuti unoshandisa uye kudyidzana sei neZviito zvedu.
Tinobatsirwa nekunzwisisa zviito zveNzvimbo Yepaindaneti yedu uye kuongorora nekuvandudza Nzvimbo yedu.
Tinobatsirwa nekuwanisa Zviito zveKutengesa uye Maonero, kuti tinzwisise kuti unoshandisa sei zvinhu izvi, uye kuzvigadzira nekuzvivandudza.
  • Mashoko Ekubatika Kwako
  • Mashoko Aunotipa
  • Mashoko Emashandisiro uye Ekupinda
  • Mashoko Emuchina uye Ekonekisheni
  • Mashoko Evamwewo
  • Makuki
Kuti tinzwisise zvinodiwa uye kufarirwa nevashandisi:
Tinopa Zviito zvedu, kusanganisira kuongorora mashoko uye maonero ako kana ukapinda muchikwata chevanotiudza maonero avo kana dzimwe ongororo dzemaonero umo, semuenzaniso, maunoedza zvigadzirwa zvitsva uye kuongorora maficha eWorkplace, semuenzaniso.
Mashoko anowanikwa pakuva kwako muchikwata chevanotiudza maonero avo uye muongororo dzemaonero achaunganidzwa oshandiswa ari mumhando inoita kuti usazivikanwe, uye kana pakashandiswa mashoko awakataura kana manzwiro ako mumushumo wemaonero, mushumo wacho hauzoiti kuti mashoko iwayo azivikanwe kuti ndiwe wakaataura.
Tinobatsirwa isu uye zvinobatsira vatengi kuziva kuti vari kuda uye kufarirei kwava kushandisa mashoko aya kuzivisa kuti pochinjwei kana kuiswa maficha matsva eWorkplace kana zvimwe zvigadzirwa uye masevhisi, uye kuwana maonero matsva.
  • Mashoko Ekubatika Kwako
  • Mashoko Aunotipa
  • Mashoko Emashandisiro uye Ekupinda
  • Mashoko Emuchina uye Ekonekisheni
  • Mashoko Evamwewo
  • Makuki
Kuti titaure newe uye tikutumire nhaurirano dzezvekutengesa (padzinenge dzisingatsamiri pakupiwa kwemvumo).
Kana ukanyoresa kugamuchira imeiri dzine nhaurirano dzezvekutengesa sezvakaita nhau, unogona kubvisa kuzvinyoresa kwako pachero nguva kuburikidza nekubaya chibatanidzi chakanzi “bvisa kuzvinyoresa” chinenge chiri kuzasi kweimeiri yega yega.
Tinotaura newe maererano neZviito uye urongwa hwedu uye/kana mitemo yedu painoshanda.
Tinokupindurawo paunotaura nesu.
Zvinotibatsira kukutumira zvakananga nhaurirano dzezvekutengesa tichitengesa zvigadzirwa zvedu uye kukupa mashoko nezvezvigadzirwa zvitsva kana zvakavandudzwa zvaunofarira.
Zvakatinakira kukurukura newe nezveZviito zvedu.
Zvakatinakira uye zvakakunakira kushandisa mashoko ako kuti tikupindure paunotaura nesu.
  • Mashoko Ekubatika Kwako
  • Mashoko Aunotipa
Kuti tigovere, tiite kuti dzienderane nezviri kudiwa, tiyere uye kunatsiridza kutengesa uye kushambadza kwedu:
Tinoshandisa mashoko ako pashambadzo dzine vadzakananga, kusanganisira dzinoitwa nemanetiweki chaiwo uyewo mamwewo uyewo pakugadzira vateereri vakada kudaro, vateereri vanoenderana nevari kudiwa uye kuyera manetiweki chaiwo eshambadzo uye mamwewo
Zvakatinakira kuti tiite zviito zvine chekuita nekutengesa uye kushambadza.
  • Mashoko Ekubatika Kwako
  • Mashoko Aunotipa
  • Mashoko Emashandisiro Uye Ekupinda
  • Mashoko Emuchina Uye Ekonekisheni
  • Makuki
Kuti tisimudzire kuchengetedzeka, uchokwadi uye kuchengetedzeka, :
Tinoongorora muchina uye Mashoko ekonekisheni yako kuti tizive uye tiferefete maitiro asina kunyatsoti twasu.
Zvinotibatsira uye zvinobatsira vashandisi veNzvimbo Yepaindaneti yedu uye vane zvavanoita paZviito Zvekutengesa uye Maonero kuti tichengetedze sisitimu iripo uye kurwisa sipamu, kutyisidzira, kushandisa zvisizvo, kana maitiro ekutyora kodzero uye kusimudzira kukotseka uye kuchengetedzeka paNzvimbo Dzepaindaneti uye Zviito.
  • Mashoko Emuchina Uye Ekonekisheni
  • Mashoko Emashandisiro Uye Ekupinda
  • Makuki
Tinochengetedza uye kugoverana nevamwe mashoko kusanganisira vachengetedzi vemutemo uye kupindura zvikumbiro zvemutemo.
Izvi zvinosanganisira kupindura zvikumbiro zvepamutemo patisingasungirwi nemutemo asi tichivimba mune zvakanaka kuti zvinotarisirwa nemutemo munharaunda yacho kana kugovera mashoko kuvachengetedzi vemutemo kana vashandidzani vemuindasitiri zviripo pakurwisa maitiro ekushungurudza kana kuti asiri pamutemo. Semuenzaniso, tinochengeta mufananidzo wemashoko emushandisi patinokumbirwa nevachengetedzi vemutemo nechinangwa chekuferefeta kunenge kuchidiwa.
Zvakatinakira uye zvakanakira vashandisi vedu kudzivirira uye kugadzirisa kubiridzirwa, kushandiswa zvisina mvumo kweNzvimbo Yepaindaneti kana Zviito zvedu, kutyorwa kwemitemo uye zvibvumirano zvedu, kana zvimwe zviito zvinokuvadza kana kuti zvisiri pamutemo.
Zvakatinakira kuzvidzivirira (kusanganisira kodzero dzedu, vashandi vedu, zvinhu kana zvigadzirwa), vashandisi vedu kana vamwewo, kusanganisira sechikamu chekuferefeta kana zvikumbiro zvinoitwa nevanoona nezvemashandiro edu; kana kuti kudzivirira rufu kana kukuvadzwa kuchaitwa muviri.
Vachengetedzi vemutemo vakakodzera, hurumende, masimba uye indasitiri vane chikonzero chepamutemo chekuferefeta uye kurwisa maitiro ekushungurudza kana kuti asiri pamutemo.
  • Mashoko Ekubatika Kwako
  • Mashoko Aunotipa
  • Mashoko Emuchina Uye Ekonekisheni
  • Mashoko Emashandisiro uye Ekupinda
  • Mashoko Evamwewo
  • Makuki
Tinochengetedza uye kugovera mashoko patinotsvaga mazano ezvemitemo kana pakuzvidzivirira pakuendeswa kumatare kana mamwe magakava. Izvi zvinosanganisira nyaya dzakadai sekutyorwa kwemitemo uye zvibvumirano zvedu, pazvinoshanda.
Zvakatinakira uye zvakanakira vashandisi vedu kupindura zviri kunyunyutwa nezvazvo, kudzivisa uye kugadzirisa kubiridzirwa, kushandisza zvisina mvumo kweNzvimbo Yepaindanti uye Zviito zvedu, kutyorwa kwemitemo uye zvibvumirano pazvinoshanda, kana mamwe maitiro anokuvadza kana kuti asiri pamutemo.
Zvakatinakira kutsvaga mazano ezvemitemo uye kuzvidzivirira (kusanganisira kodzero dzedu, vashandi, zvinhu kana zvigadzirwa), vashandisi vedu kana vamwewo, kusanganisira sechikamu chekuferefeta kana chikumbiro chinenge chaitwa nevanoongorora mashandiro edu, kana kuendeswa kumatare kana mamwe magakava.
  • Mashoko Ekubatika Kwako
  • Mashoko Aunotipa
  • Mashoko Emuchina Uye Ekonekisheni
  • Mashoko Emashandisiro uye Ekupinda
  • Mashoko Evamwewo
  • Makuki
Mvumo Yako
Tinoshanda nemashoko ako nezvinangwa zvinotsanangurwa pazasi apa paunenge watipa mvumo. Mipanda yemashoko ashandiswa uye kuti nei uye kuti ashandiswa sei zvakanyorwa pazasi apa:
Nei Tichishanda Nemashoko Ako Uye Nzira Dzatinodaro NadzoMipanda Yemashoko Yashandiswa
Kuti tikutumire nhaurirano dzezvekutengesa (padzinenge dzichitsamira pakupiwa mvumo yako). Patinoshanda nemashoko ako zvichitsamira pamvumo yako, une kodzero yekubvisa mvumo yako pachero nguva zvisingazokanganisi kushandiswa kwawo zviri pamutemo zvichitsamira pamvumo yakapiwa usati waibvisa kuburikidza nekutibata uchishandisa mashoko aiswa pazasi apa.
Unogona kuzvibvisa pakunyoresa pachero nguva nekubaya chibatanidzi chakanzi “bvisa kuzvinyoresa” chiri kuzasi kweimeiri yega yega.
  • Mashoko Ekubatika Kwako
Kuita Zvinoenderana Nezvatinotarisirwa Nemutemo
Tinoshanda nemashoko kuti tiite zvinoenderana nezvatinotarisirwa nemutemo kusanganisira, semuenzaniso, kuti tiwane, tichengetedze kana kubudisa pachena mamwe mashoko kana paine chikumbiro chepamutemo chinoshanda.
Nei Tichishanda Nemashoko Ako Uye Nzira Dzatinodaro NadzoMipanda Yemashoko Yashandiswa
Kuti tishande mashoko patinoita zvinoenderana nezvinotarisirwa nemutemo zvinosanganisira, semuenzaniso, kuwana, kuchengetedza kana kubudisa pachena mashoko akati kana paine chikumbiro chepamutemo chinoshanda chinobva kumudzori, muchengetedzi wemutemo kana vamwe. Semuenzaniso, warandi rekusecha kana odha yekugadzira chinhu inobva kuvanochengetedza mutemo vekuIreland ichipa mashoko ane chekuita nekuferefeta kuri kuitwa, sezvakaita adhiresi yako yeIP.
  • Mashoko Ekubatika Kwako
  • Mashoko Aunotipa
  • Mashoko Emuchina Uye Ekonekisheni
  • Mashoko Emashandisiro uye Ekupinda
  • Mashoko Evamwewo
  • Makuki
Kuchengetedzwa Kwezvinokosha Zvaunoda Kana Kuti Zvemumwe Munhu
Tinoshanda nemashoko kana zvinokosha zvemumwe munhu zvava kuda kuchengetedzwa.
Nei Tichishanda Nemashoko Ako Uye Nzira Dzatinodaro NadzoMipanda Yemashoko Yashandiswa
Tinogoverana mashoko nevachengetedzi vemutemo uye vamwewo, mumamiriro ezvinhu ekuti pane zvinokosha zvemunhu zvava kuda kuchengetedzwa, sezvakaita munguva inoitika zvinoda kukurumidzirwa. Zvakakosha izvi zvinosanganisira kuchengetedza upenyu hwako kana hwemumwewo munhu, utano hwemuviri kana hwepfungwa, kugadzikana kana kuva wepachokwadi kana kuti kwevamwe.
  • Mashoko Ekubatika Kwako
  • Mashoko Aunotipa
  • Mashoko Emuchina Uye Ekonekisheni
  • Mashoko Emashandisiro uye Ekupinda
  • Mashoko Evamwewo
  • Makuki

9. Maapudheti eMutemo weZvakavanzika

Tinogona kugadzirisa kana kuapudheta Mutemo wedu weZvakavanzika nguva nenguva. Tichatumira Mutemo weZvakavanzika mutsva, togadziridza musi uri pakanzi "Wakapedzisira Kugadziridzwa" uri pamusoro totora mamwe matanho api zvawo anodiwa nemutemo uripo. Tapota ongorora Mutemo wedu weZvakavanzika nguva nenguva.

10. Ndiani anoona nezvemashoko ako

Tinogona kugadzirisa kana kuapudheta Mutemo wedu weZvakavanzika nguva nenguva. Tichatumira Mutemo weZvakavanzika mutsva, togadziridza musi uri pakanzi "Wakapedzisira Kugadziridzwa" uri pamusoro totora mamwe matanho api zvawo anodiwa nemutemo uripo. Tapota ongorora Mutemo wedu weZvakavanzika nguva nenguva.
Kana uchigara munyika kana nzvimbo iri mu “Dunhu reEurope” (rinosanganisira nyika dziri mu European Union nedzimwewo: Andorra, Austria, Azores, Belgium, Bulgaria, Canary Islands, Channel Islands, Croatia, Czech Republic, Denmark, Estonia, Finland, France, French Guiana, Germany, Gibraltar, Greece, Guadeloupe, Hungary, Iceland, Ireland, Isle of Man, Italy, Latvia, Liechtenstein, Lithuania, Luxembourg, Madeira, Malta, Martinique, Mayotte, Monaco, Netherlands, Norway, Poland, Portugal, Republic of Cyprus, Réunion, Romania, San Marino, Saint-Martin, Slovakia, Slovenia, Spain, Sweden, Switzerland, United Kingdom, United Kingdom sovereign bases in Cyprus (Akrotiri and Dhekelia), and Vatican City) kana kuti pamwe unogara kunze kweUS kana Canada kambani inochengeta dhata revanhu inoona nezvemashoko ako iMeta Platforms Ireland Limited.
Kana uchigara muUS kana Canada sangano rinoona nezvemashoko ako iMeta Platforms Inc.

11. Kurukura Nesu

Kana uine mibvunzo nezveMutemo weZvakavanzika uyu, kana uine mibvunzo, zvinyunyuto kana zvikumbiro nezvemashoko akavanzika emunhu uye mitemo yedu yezvakavanzika nemashandisiro,unogona kukurukura nesu. Unogona kutaura nesu neimeiri pa workplace.team@fb.com kana netsamba pa:
US neCanada:
Meta Platforms, Inc.
ATTN: Privacy Operations
1601 Willow Road
Menlo Park, CA 94025
Nyika Yese (kusanganisira Dunhu reEurope):
Meta Platforms Ireland Limited
Merrion Road
Dublin 4
D04 X2K5
Ireland
Anoona Nezvekuchengetedzwa Kwemashoko weMeta Platforms Ireland Limited anogona kutaurwa naye pano.